Muparidzi 9
9
Mugumo waVanhu Vose
1Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira. 2Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri.
Sezvazvakaita nomunhu akanaka,
ndizvozvowo nomutadzi;
sezvazvakaita neavo vanoita mhiko,
ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.
3Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa. 4Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa!
5Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa,
asi vakafa havana chavanoziva;
havachinazve mumwe mubayiro,
uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa.
6Rudo rwavo, ruvengo rwavo
negodo zvakanguri zvapera kare;
havachazovizve nechikamu,
pane zvose zvinoitika pasi pezuva.
7Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako. 8Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta. 9Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva. 10Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri.
11Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva:
Anomhanyisa haasi iye anokunda
uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa,
uye akachenjera haasi iye ane zvokudya,
uye vane njere havasi ivo vane pfuma,
uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu;
asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
12Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika:
Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa,
kana shiri dzinobatwa murugombe,
saizvozvowo vanhu vanobatwa
nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
Uchenjeri hunopfuura Upenzi
13Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru: 14Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa. 15Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya. 16Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi.
17Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa
kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
18Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo,
asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 9: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.