Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.” Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
Verenga chikamu Mabasa 8
Terera ku Mabasa 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 8:36-40
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo