Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:36-40

Mabasa 8:36-40 SNA2002

Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”] Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.

Verenga chikamu Mabasa 8