Mabasa 8:36-40
Mabasa 8:36-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”] Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
Mabasa 8:36-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?” Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.” Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.
Mabasa 8:36-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachifamba munzira, vakasvika pane mvura; muranda akati, “Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?” [ Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvingaitwa.” Akapindura, akati, “Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.”] Akarayira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waIshe akabvisa Firipi; muranda akasazomuonazve; nokuti akafamba rwendo rwake, achifara. Asi Firipi akawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Vhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
Mabasa 8:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.” Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru. Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria.
Mabasa 8:36-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, ʋakaȿika panemvura; muranda akati: Heyi mvura; cinyiko ciŋgadziʋisa ndirege kubapatidzwa? [Firipo akati: Kana ucitenda nomŋoyo wako wose, ɀiŋgaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari.] Akaraira kuti ŋgoro imire; ʋakaɓurukira ʋose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubapatidza. Ɀino ʋakati ʋaciɓuɗa mumvura, Mŋeya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuʋona ɀe; nokuti wakafamba rwendo rwake, acifara. Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika aciparidza Evaŋgeri pamaguta ose, kuȿikira paKesaria.
Mabasa 8:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)