Mabasa 8
8
1Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake.
Sauro anotambudza Sangano raMwari
Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria. 2Vanamati vakaviga Sitefani vakamuchema zvikuru. 3Asi Sauro paaiedza kuparadza Sangano, aipinda imba nemba achikwekweretsa varume navakadzi achivaisa mujeri.
Shoko Rakanaka rinoparidzwa kuSamaria
4Zvino vaya vakapararira, vakaenda vachiparidza shoko. 5Firipi akadzika kuguta reSamaria akavaparidza zvaMesia. 6Chikwata chikuru chavanhu chakateerera nomwoyo mumwechete kune zvaitaurwa naFiripi pavakamunzwa uye pavakaona zviratidzo zvaaiita, 7nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa. 8Naizvozvo makave norufaro rukuru muguta iroro.
Simoni murume wamashiripiti
9Kwaiva nomumwe murume ainzi Simoni aiita mashiripiti muguta iroro, akashamisa vanhu veSamaria achizviti ndini pano. 10Vose vakamuteerera kubvira kuvaduku kusvika kuvakuru vachiti, “Murume uyu ndiye mumwe mwari uya anonzi Samukurumukuru.” 11Nokudaro vaimuteerera nokuti aivashamisa namashiripiti ake kwenguva ndefu. 12Asi pavakatenda Firipi paaiparidza Shoko Rakanaka nezvoumambo hwaMwari uye zita raJesu Kristu vakaombekwa, varume navakadzi. 13Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza. 14Vapositori vaiva kuJerusaremu pavakanzwa kuti Samaria yakanga yagamuchira Shoko raMwari vakavatumira Pita naJohani. 15Vakadzika vakavanamatira kuti vagashire Mweya Mutsvene 16nokuti Mweya Mutsvene akanga asati aburukira panaani zvake wavo; asi vakanga vangoombekwa chete muzita raTenzi Jesu. 17Vakaisa maoko avo pavari vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18Simoni paakaona kuti Mweya waipiwa nokuiswa kwamaoko avapositori pavanhu akavapa mari achiti, 19“Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.”
20Asi Pita akati kwaari, “Parara nemari yako iyoyo nokuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari nemari. 21Hauna nzvimbo kana mugove mune zvinhu izvi nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22Saka tendeuka pauipi hwako uhu unamate kuna Tenzi kuti zvimwe pfungwa dzemwoyo wako dziregererwe 23nokuti ndinoona kuti mwoyo wako uzere nenduru inovava uye uri musungwa wouipi.”
24Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.”
25Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria.
Firipi nomuyuniki wokuEtiopia
26Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. 27Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. 28Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. 29Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” 30Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” 31Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye. 32Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi.
“Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa
kana sehwayana iri pamuveuri wayo,
haana kumboti muromo bufu.
33Mukuninipiswa ikoku
haana kuitirwa zvaaikodzera
Ndiani angatsanangure nezvechizvarwa chake
nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”
34Muyuniki akati kuna Firipi, “Nditaurirewo kuti muporofita uyu ari kutaura nezvani, nezvake here kana kuti nezvomumwewo?” 35Ipapo Firipi akatangisa kutaura achibvira pandima iyi yaMagwaro Matsvene, akamutaurira zveShoko Rakanaka rezvaJesu. 36Pavaifamba kudaro munzira vakasvika pane mvura. Muyuniki akati, “Tarisa uone pano pane mvura. Chingandirambidze kuombekwa chii?” 37Firipi akati, “Kana uchitenda nemwoyo wose unogona kuombekwa.” Iye akapindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.”#8:37 Ndima iyi haiwanikwi mumaBhaibhiri mazhinji echiGiriki. 38Muyuniki akati, Ngoro imiswe. Vose vari vaviri vakapinda mumvura iye Firipi nomuyuniki akabva amuombeka. 39Pavakabuda mumvura Mweya waTenzi wakabvisa Firipi ipapo. Muyuniki haana kuzomuonazve. Asi akaenda rwendo rwake achifara zvikuru. 40Firipi akazoonekwa ava kuAzotusi. Maaipfuura namo aiparidza Shoko Rakanaka mumaguta ose kudzamara kusvika kuKesaria.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.