Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:26-29

Mabasa 8:26-29 BDSC

Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.” Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema, uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”