Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:26-29

Mabasa 8:26-29 SCLB

Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.”

Verenga chikamu Mabasa 8