Mabasa 8:26-29
Mabasa 8:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waIshe akataura naFiripi, akati, “Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusaremu ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.” Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.”
Mabasa 8:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.”
Mabasa 8:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.” Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema, uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”
Mabasa 8:26-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waIshe akataura naFiripi, akati, “Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusaremu ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.” Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata; akanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.”
Mabasa 8:26-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waMwari akati kuna Firipi, “Simuka uende kumaodzanyemba kunzira inodzika kuGaza ichibva kuJerusaremu.” Nzira iyi inzira yomurenje. Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata. Akanga achidzokera agere mungoro yake achiverenga bhuku romuporofita Isaya. Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.”
Mabasa 8:26-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema iciɓurukira Gaza; iyo nyika irenje. Akasimuka, akaenda; ɀino kwakaŋga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwaɀo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waiceŋgeta fuma yake yose, wakaŋga aʋuya Jerusarema kuzonamata; wakaŋga acidzoka, agere muŋgoro yake aciraʋa muprofita Isaya. Mŋeya akati kunaFiripo: Sweɗera, urambire paŋgoro iyo.