Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi. Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro. Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.” Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.” Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.” Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?” Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake. Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.” Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”
Verenga chikamu Mabasa 23
Terera ku Mabasa 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 23:12-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo