Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:12-22

Mabasa 23:12-22 SCLB

Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro. Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana. Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro. Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo. Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro. Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.” Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.” Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.” Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.” Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi.

Verenga chikamu Mabasa 23