Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:12-22

Mabasa 23:12-22 SNA2002

Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuura makumi mana. Ava vakaenda kuvapristi vakuru navakuru, vakati, “Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tauraya Pauro. “Naizvozvo zvino imi, namakurukota, muzivise mukuru wechiuru chamazana, kuti amuburusire kwamuri, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuuraye, asati aswedera.” Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akaudza Pauro. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati, “Isa jaya iri kumukuru wechiuru chamazana; nokuti ane shoko raanoda kumuudza.” Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumukuru wechiuru chamazana, akati, “Pauro musungwa, akandidana, akakumbira, kuti ndiuye nejaya iri kwamuri; ane shoko raanoda kukuudzai.” Mukuru wechiuru chamazana akabata ruoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati, “Une shoko reiko, raunoda kundiudza?” Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake. Naizvozvo musavatenda; nokuti pakati pavo kuna varume vanopfuura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakazvigadzira, vakatarira tendere inobva kwamuri.” Naizvozvo mukuru wechiuru chamazana akaendesa jaya, akamurayira, achiti, “Usaudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.”

Verenga chikamu Mabasa 23