Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 23:12-22

Mabasa 23:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi. Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro. Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.” Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.” Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.” Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?” Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake. Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.” Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:12-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro. Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana. Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro. Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo. Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro. Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.” Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.” Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.” Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.” Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:12-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuura makumi mana. Ava vakaenda kuvapristi vakuru navakuru, vakati, “Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tauraya Pauro. “Naizvozvo zvino imi, namakurukota, muzivise mukuru wechiuru chamazana, kuti amuburusire kwamuri, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuuraye, asati aswedera.” Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akaudza Pauro. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati, “Isa jaya iri kumukuru wechiuru chamazana; nokuti ane shoko raanoda kumuudza.” Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumukuru wechiuru chamazana, akati, “Pauro musungwa, akandidana, akakumbira, kuti ndiuye nejaya iri kwamuri; ane shoko raanoda kukuudzai.” Mukuru wechiuru chamazana akabata ruoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati, “Une shoko reiko, raunoda kundiudza?” Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, muchiita somunoda kunatsobvunzisisa mhosva yake. Naizvozvo musavatenda; nokuti pakati pavo kuna varume vanopfuura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakazvigadzira, vakatarira tendere inobva kwamuri.” Naizvozvo mukuru wechiuru chamazana akaendesa jaya, akamurayira, achiti, “Usaudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:12-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakwakachena vaJudha vakaita bangano vakazvisunga nemhiko yokuti havambodya kana kunwa kusvikira vatouraya Pauro. Vakaita bangano iri vaipfuura makumi mana. Vakaenda kuvaPristi vakuru navakuru vakuru vakati tanyatsozvisunga nemhiko kuti hatimbodyi kusvikira tauraya Pauro. Naizvozvo imi pamwe nedare taurirai mukuru mukuru wamasoja kuti amudzikise kwamuri sokunge munoda kunyatsotsvakisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Isu takagadzirira kumuuraya asati ambosvika pedyo. Zvino mwana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuhwandira kwavo. Nezvo akandopinda munzvimbo yaigara masoja akataurira Pauro. Pauro akadaidza mumwe wavatungamiri vezana akati, “Endai nejaya iri kumukuru mukuru wamasoja nokuti ane zvimwe zvaari kuda kumutaurira.” Naizvozvo akamutora akaenda naye kumukuru mukuru wamasoja uya akati, “Pauro musungwa uya andidana akandikumbira kuti ndiunze jaya iri kwamuri nokuti rine zvarinoda kutaura kwamuri.” Mukuru mukuru wamasoja akamubata ruoko akaenda naye parutivi omubvunza muchivande achiti, “Chii chaunoda kunditaurira.” Iye akati, “VaJudha varangana kuti vakukumbirei kuti mudzikise Pauro kudare mangwana sokunge vanoda kunyatsotsvagisisa mhosva yake nemazvo chaimo. Asi imi musabvume nokuti kune vanhu vavo varume vanopfuura makumi mana vanenge vakamuhwandira vatozvisunga nemhiko yokuti havamboruma chinhu kana kunwa chinhu kusvikira vatouraya Pauro. Iye zvino vatogadzirira. Vangomirira chitsidzo chenyu.” Mukuru mukuru wamasoja akaendesa jaya riya achiriudza kuti risataurire kana munhu zvake kuti ramuudza izvozvi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23

Mabasa 23:12-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino kwakati kwaedza, ʋaJuda ʋakaita raŋgano, ʋakaɀisuŋga nokupika, ʋaciti, haʋaŋgadyi kana kunwa kuȿikira ʋaʋuraya Pauro. Ʋakaŋga ʋaita raŋgano iyo, ʋakapfuʋura makumi manna. Aʋa ʋakaenda kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, ʋakati: Taɀisuŋga nokupika kukuru, kuti hatiŋgadyi cinhu, kuȿikira taʋuraya Pauro. Naiɀoɀo ɀino imi, namakurukota, muziʋise mukuru wecuru camazana, kuti amuɓurusire kwamuri, muciita somunoɗa kunatso‐bvunzisisa mhoȿa yake; isu taɀigadzira kuti timuʋuraye, asati asweɗera. Ɀino mŋanakomana wehanɀadzi yaPauro akanzwa ɀokuʋandira kwaʋo, akaenda, akapinda mumba maʋarwi, akaʋudza Pauro. Ipapo Pauro akaɗana mumŋe waʋakuru ʋezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wecuru camazana; nokuti uneshoko raanoɗa kumuʋudza. Naiɀoɀo akamutora, akaenda naye kumukuru wecuru camazana, akati: Pauro musuŋgwa, wakandiɗana, akakumbira, kuti ndiʋuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoɗa kukuʋudzai. Mukuru wecuru camazana akaɓata ruʋoko rwake, akaenda naye ʋari ʋoga, akamubvunza ʋari ʋoga, akati: Uneshoko reiko, raunoɗa kundiʋudza? Iye akati: ƲaJuda ʋakatenderana Kukumbira kwamuri, kuti muɓuruse Pauro kumakurukota maŋgwana, muciita somunoɗa kunatso‐bvunzisisa mhoȿa yake. Naiɀoɀo musaʋatenda; nokuti pakati paʋo kunaʋarume ʋanopfuʋura makumi manna ʋanomuʋandira ʋakaɀisuŋga nokupika, kuti haʋaŋgadyi, kana kunwa, kuȿikira ʋamuʋuraya; ɀino ʋakaɀigadzira, ʋakatarira tendero inobva kwamuri. Naiɀoɀo mukuru wecuru camazana akaendisa jaya, akamuraira, aciti: Usaʋudza munhu, kuti wandiziʋisa iɀoɀo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 23