Vachibva paPafosi, Pauro navanhu vaaifamba navo vakakwira chikepe vakaenda kuPega muPamufiria, uye vava ikoko Johani akavasiya akadzokera kuJerusarema. Vachibva kuPega vakapfuurira kuAndioki yePisidhia. Nomusi weSabata vakapinda musinagoge vakasvikogara pasi. Mushure mokuverengwa kwoMurayiro naVaprofita, vabati vomusinagoge vakatuma shoko kwavari vachiti, “Hama, kana mune shoko rokukuridzira vanhu, tapota taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akaninira noruoko rwake akati, “Varume veIsraeri nemi mose vedzimwe ndudzi vanonamata Mwari, nditeererei! Mwari wavanhu veIsraeri akasarudza madzibaba edu; akaita kuti vanhu vabudirire panguva yavaigara muIjipiti, akavabudisa munyika iyo nesimba guru, akava nomwoyo murefu namaitiro avo kwamakore anenge makumi mana vari mugwenga, akakunda ndudzi nomwe muKenani akapa nyika yavo kuvanhu vake kuti ive nhaka yavo. Izvi zvakatora makore anenge mazana mana namakumi mashanu. “Shure kwaizvozvi, Mwari akavapa vatongi kusvikira panguva yaSamueri muprofita. Ipapo vanhu vakakumbira mambo, akavapa Sauro mwanakomana waKishi, worudzi rwaBhenjamini, uyo akatonga kwamakore makumi mana. Shure kwokunge abvisa Sauro, akagadza Dhavhidhi kuti ave mambo wavo. Iye akapupura pamusoro pake achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese murume wapamwoyo pangu; iye achaita zvinhu zvose zvandinoda kuti aite.’ “Kubva kuzvizvarwa zvomurume uyu Mwari akavigira vaIsraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avimbisa. Jesu asati auya, Johani akaparidza kutendeuka norubhabhatidzo kuvanhu vose veIsraeri. Johani paakanga ava kupedzisa basa rake, akati, ‘Munofunga kuti ndini ani? Handizi iye uya. Kwete, asi iye ari kuuya shure kwangu, ndiye wandisingakodzeri kusunungura shangu dzake.’
Verenga chikamu Mabasa 13
Terera ku Mabasa 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 13:13-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo