Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 13:13-25

Mabasa 13:13-25 SNA2002

Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Pega muPamufiria; Johani akabva kwavari, ndokudzokera Jerusaremu. Asi ivo vakabva Pega, vakasvika Andioki paPisidhia; vakapinda musinagoge nezuva reSabata, ndokugara pasi. Zvino murayiro navaporofita zvakati zvarawa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti, “Varume, hama, kana mune shoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.” Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruoko, akati, “Varume vaIsiraeri, nemi munotya Mwari, teererai, Mwari wavanhu ava vaIsiraeri akatsanangura madzibaba edu, akaudza vanhu ava, vachiti vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruoko rune simba, akava nomwoyo murefu nemitoo yavo murenje makore anenge makumi mana, akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu. Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri. Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakomana waKisi murume worudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana. “Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura, achiti, ‘Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womwoyo wangu, achaita kuda kwangu kwose.’ Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsiraeri Muponesi Jesu, sezvaakanga avapikira; iye asati asvika, Johani akamboparidzira vanhu vaIsiraeri rubhabhatidzo rwokutendeuka. Zvino Johani akati opedzisa basa rake, akati, ‘Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe anouya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.’

Verenga chikamu Mabasa 13