Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.
Verenga chikamu 2 Petro 3
Terera ku 2 Petro 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Petro 3:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo