Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Pita 3:1-10

2 Pita 3:1-10 SCLB

Vadikanwi iyi ndiyo tsamba yechipiri ndichikunyorerai. Uye madziri dzose dziri mbiri, ndakamutsa mamuri mafungiro akarurama nokukuyeuchidzai kuti muyeuke zvakafanotaurwa navaporofita vatsvene nomutemo waTenzi, Muponesi, waakapa nokuvapositori venyu. Pokutanga, nzwisisai izvi zvokuti, mumazuva okupedzisira kuchauya vanhu vanonyomba vachitevera havi dzavo vachikutii, “Ko zvaakatsidza kuti achauya, ko achauya rini. Chinguri chakafa madzitateguru zvinhu zvose zviri kungoenderera mberi sezvazvakanga zvakangoita kubvira pasi pachitanga kusikwa. Vanoramba, ivo vachiziva zvavo kuti matenga akavapo kare kare nokuda kwezwi raMwari uye kuti pasi pakaitwa pachibva mumvura uye pachishandiswa mvura.” Yakaita kuti nyika yakanga iripo ifukidzwe nemvura ikaparara. Asi nezwi rimwechetero denga napasi zviripo iye zvino, zvakachengeterwa kuti zvipiswe nomoto. Zvakachengetwa kusvika pazuva rokutonga, zuva rokuparadzwa kwavasinganamati Mwari. Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete. Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka. Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa.

Verenga chikamu 2 Pita 3