Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Petirosi 3:1-10

2 Petirosi 3:1-10 SNA2002

Vadikanwi, iyi ndiyo tsamba yechipiri yandinokunyorerai zvino; pane idzodzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai; kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurayiro waIshe, Muponesi, wamakapiwa navapostori venyu; pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti, “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” Nokuti vanokanganwa nohwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko irori, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi vadikanwi, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kuna Ishe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe. Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti, “Anonoka, asi ano mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.