Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 7:1-2

2 Madzimambo 7:1-2 BDSC

Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seya roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimwe uye maseya maviri ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!”