2 Madzimambo 7:1-2
2 Madzimambo 7:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seya roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimwe uye maseya maviri ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe nameso ako asi hauna chimwe chazvo chauchadya!”
2 Madzimambo 7:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, ‘Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuo reSamaria.’ ” Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, “Tarirai, kunyange Jehovha akaita mawindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?” Erisha akati, “Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.”
2 Madzimambo 7:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Erisha akati, “Inzwai zvinotaurwa naTenzi; zvanzi naTenzi, mangwana nenguva idzo dzino idzi, upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu huchazenge hwava kutengeswa mari imwechete yesirivha uyewo bhari inorema makirogiramu matanhatu yotengeswa mariwo imwechete yesirivha kusuo guru reSamaria.” Mukuru mukuru aiva wepedyopedyo kwazvo namambo akati kumunhu waMwari, “Kunyange iye Tenzi, kuri kuti aita mahwindo mudenga umu ndopazvingaitike izvozvo here?” Asi Erisha akati, “Iyewe uchatozviona nameso ako aya asi hausi kuzombozvidya.”
2 Madzimambo 7:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Erisha akati: Inzwai shoko raJehova: Ɀanzi naJehova: Maŋgwana neŋguʋa ino, ciyero cimŋe coʋupfu bgakatsetseka cicateŋgeswa neshekeri rimŋe, neɀiyero ɀiʋiri ɀebari neshekeri rimŋe pasuʋo reSamaria. Ɀino mukuru uyo, mambo waakaŋga akasendama paruʋoko rwake, akapindura munhu waMŋari, akati: Tarirai, kunyaŋge Jehova akaita mawindi kuɗeŋga, cinhu ici ciŋgaitika here? Erisha akati: Tarira, ucaɀiʋona nameso ako, asi hauŋgaɀidyi.
2 Madzimambo 7:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)