Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 7:1-2

2 Madzimambo 7:1-2 SNA2002

Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, ‘Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuo reSamaria.’ ” Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, “Tarirai, kunyange Jehovha akaita mawindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?” Erisha akati, “Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.”