Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 10:3-6

2 VaKorinde 10:3-6 BDSC

Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.