Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 10:3-6

2 Vakorinde 10:3-6 SCLB

Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana.