Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 16:1-9

1 VaKorinde 16:1-9 BDSC

Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite. Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo. Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema. Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni. Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia. Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda. Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera. Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti, nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.