Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke reGaratiya, itai nemiwo saizvozvo. Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika. Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu. Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni. Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia. Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera. Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi. Nokuti ndazarurirwa musuo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 16:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo