1 VaKorinde 16:1-9
1 VaKorinde 16:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite. Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo. Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma nechipo chenyu kuJerusarema. Kana zvakafanira kuti ndiendewo, vachaenda neni. Mushure mokupfuura nokuMasedhonia, ndichauya kwamuri, nokuti ndichapfuura nokuMasedhonia. Zvimwe ndichagara nemi kwechinguva, kana kutopedza nguva yechando, kuitira kuti mugondibatsirawo parwendo rwangu, kwose kwandinoenda. Nokuti handidi kukuonai zvino nokukushanyirai ndichingopfuura bedzi; ndine tariro yokuva nemi kwechinguvana, kana Ishe akatendera. Asi ndichati garei paEfeso kusvikira paPendekosti, nokuti ndazarurirwa musuo mukuru wokuita basa guru, uyewo kune vazhinji vanondipikisa.

1 VaKorinde 16:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke reGaratiya, itai nemiwo saizvozvo. Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika. Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu. Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni. Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia. Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera. Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi. Nokuti ndazarurirwa musuo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
1 VaKorinde 16:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panyaya yezvipo zvinounganidzirwa vanhu vaMwari, sezvandakaudza masangano okuGaratia kuti aite, itaiwo saizvozvo. Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya. Pandinosvikako ndichatumira vanhu vamunenge manditumira netsamba vachitakura zvipo zvenyu ndichienda nazvo kuJerusaremu. Kana zvichidikanwa kuti ini ndiendewo vachandiperekedza. Ndichakushanyirai ndambopfuura nokuMasedhonia nokuti ndinoda kupfuura nokuMasedhonia. Pamwe ndichagara nemi kana kutopedza nguva yechando ndiinemi. Imi mozondibatsirawo kuenderera mberi nerwendo rwangu kose kwandinenge ndichienda. Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida. Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda.
1 VaKorinde 16:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀakaʋuŋganidzirwa ʋatȿene, seɀandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemi ʋo saiɀoɀo. Nomusi wokutaŋga weviki, mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaakamure ɀimŋe kumba kwake, aʋuŋganidze, paakawana napo, kuti ɀipo ɀirege kuʋuŋganidzwa, kana ndiciȿika. Kana ndaȿika, ndicatuma aʋo ʋamunotenda neŋwadi, ʋagondoisa ɀipo ɀenyu Jerusarema Kana ɀakafanira kuti ini ndiende ʋo, ʋaŋgaenda neni. Ɀino ndicaʋuya kwamuri, kana ndagura neMakedonia; nokuti ndinogura neMakedonia. Ɀimŋe ndicagara nemi, kunyaŋge ndipedze cando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda. Nokuti handiɗi kukuʋonai ɀino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndicazogara nemi ciŋguʋa, kana Ishe acinditendera. Asi ndicagara paEfeso kuȿikira paPentekosta. Nokuti ndazarurirwa mukoʋa mukuru uneɓasa guru; naʋadziʋisi ʋazhinji ʋari’po.
1 VaKorinde 16:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)