Panyaya yezvipo zvinounganidzirwa vanhu vaMwari, sezvandakaudza masangano okuGaratia kuti aite, itaiwo saizvozvo. Pamusi weSvondo, svondo rimwe nerimwe munhu oga oga ngaaise zvinhu parutivi azvichengete maererano nokuwana kwake kuti zvirege kuzounganidzwa ndatouya. Pandinosvikako ndichatumira vanhu vamunenge manditumira netsamba vachitakura zvipo zvenyu ndichienda nazvo kuJerusaremu. Kana zvichidikanwa kuti ini ndiendewo vachandiperekedza. Ndichakushanyirai ndambopfuura nokuMasedhonia nokuti ndinoda kupfuura nokuMasedhonia. Pamwe ndichagara nemi kana kutopedza nguva yechando ndiinemi. Imi mozondibatsirawo kuenderera mberi nerwendo rwangu kose kwandinenge ndichienda. Handisi kuda kukuonai zvokungokunyepudzai chete. Ndinotarisira kuva nemi kwechinguva kana Tenzi achida. Ndichagara kuEfesusi kusvika paPendekositi nokuti ndanyatsozarurirwa mukova webasa rakanakisisa asi kune vavengi vakawanda.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 16:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo