Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 14:13-25

1 VaKorinde 14:13-25 BDSC

Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura. Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko. Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura? Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, ndichataura kuvanhu ava, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.