Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo. Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo. Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe? Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi.
Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi.
Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru. Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.”
Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda.
Naizvozvo, kana kereke yose yaungana, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here? Asi kana vose vakaporofita, mumwe asingatendi kana asina kudzidza akapinda, achatendiswa navose, achatongwa navose; zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo achawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe nokupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.