Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 14:13-25

1 VaKorinde 14:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura. Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko. Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu. Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura? Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi. Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose. Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi. Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. MuMurayiro makanyorwa muchinzi: “Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi uye kubudikidza nemiromo yavatorwa, ndichataura kuvanhu ava, asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,” ndizvo zvinotaura Ishe. Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

1 VaKorinde 14:13-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Saka anotaura norumwe rurimi, ngaanyengetere kuti adudzirewo. Nokuti kana ndichinyengetera norumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi kufunga kwangu kunoshaiwa zvibereko. Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo. Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nomweya, ko uyo agere pachigaro chavasina kudzidza, achati Ameni seiko pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura iwe? Nokuti iwe unovonga hako zvakanaka, asi mumwe haasimbiswi. Ndinovonga Mwari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoda zvikuru kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pakutaura norumwe rurimi mashoko ane zviuru zvine gumi. Hama dzangu, musava vana pakuziva, asi muve vacheche pazvakaipa, asi pakuziva muve vakuru. Pamurayiro pakanyorwa, pachiti, “Ndichataura kuvanhu ava, ndichireva navanhu vedzimwe ndimi nemimwe miromo; kunyange zvakadaro, havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.” Saka ndimi hadzizi chiratidzo kuna vanotenda, asi kuna vasingatendi; nokuporofita hakuzi kuna vasingatendi, asi kuna vanotenda. Naizvozvo, kana kereke yose yaungana, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina kutenda vakapinda, havati munopenga here? Asi kana vose vakaporofita, mumwe asingatendi kana asina kudzidza akapinda, achatendiswa navose, achatongwa navose; zvakavanzika zvomwoyo wake zvinoratidzwa; naizvozvo achawira pasi nechiso chake, achinamata Ishe nokupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

1 VaKorinde 14:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi. Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero. Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi; “Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi uye nemiromo yeve chirudzi, ndichataura kuvanhu ava. Kunyange ipapo havambonditeerera,” ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi hachisi chiratidzo chavatendi asi chavasiri vatendi. Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi. Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here? Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake. Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu.

1 VaKorinde 14:13-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Saka unotaura norumŋe rurimi, ŋgaanyeŋgetere kuti aɗudzire ʋo. Nokuti kana ndicinyeŋgetera norumŋe rurimi, mŋeya waŋgu unonyeŋgetera, asi kufuŋga kwaŋgu kunoshaiwa ɀiɓereko. Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo. Kana ɀisakaɗaro, kana iwe uciʋoŋga nomŋeya, ko uyo ugere pacigaro caʋasina‐kudzidza, ucati Ameni seiko pakuʋoŋga kwako, ɀaasiŋgaziʋi caunotaura iwe? Nokuti iwe unoʋoŋga hako ɀakanaka, asi mumŋe haasimbiswi. Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoɗa ɀikuru kutaura mashoko mashanu nokufuŋga kwaŋgu, kuti ndidzidzise ʋamŋe ʋo, pakutaura norumŋe rurimi mashoko aneɀuru ɀinegumi. Hama dzaŋgu, musaʋa ʋana pakuziʋa, asi muʋe ʋacece paɀakaipa, asi pakuziʋa muʋe ʋakuru. pamurairo pakanyorwa, paciti: Ndicataura kuʋanhu aʋa, ndicireʋa naʋanhu ʋedzimŋe ndimi nemimŋe miromo; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋaŋganditereri — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. Saka ndimi hadzizi ciratidzo kunaʋanotenda, asi kunaʋasiŋgatendi; nokuprofita hakuzi kunaʋasiŋgatendi, asi kunaʋanotenda. Naiɀoɀo, kana kereke yose yaʋuŋgana, ʋose ʋakataura nendimi, ʋasina‐kudzidza kana ʋasina‐kutenda ʋakapinda, haʋati munopeŋga here? Asi kana ʋose ʋakaprofita, mumŋe usiŋgatendi kana usina‐kudzidza akapinda, ucatendiswa naʋose, ucatoŋgwa naʋose; ɀakaʋanzika ɀomŋoyo wake ɀinoratidzwa; naiɀoɀo ucawira pasi neciso cake, acinamata Ishe, nokupupura kuti Mŋari uri pakati penyu ɀirokwaɀo.

1 VaKorinde 14:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)