Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 14:13-25

1 Vakorinde 14:13-25 SCLB

Naizvozvo anotaura nendimi dzisingazivikanwi ngaanamate kuti apiwe simba rokuturikira nokuti kana ndichinamata norurimi rusingazivikanwi, mweya wangu unonamata, asi pfungwa dzangu hadziwane muchero mazviri. Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu, nokuti ukatenda nemweya ko munhu asina kuzvidzidza angati, “Ameni” sei kumunamato wako wokutenda iye asingazivi zvauri kutaura? Unogona kutenda zvakanakisisa zvako asi mumwe wako asina chaanobatsirwa nacho. Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzisingazivikanwi kupfuura imi mose. Asi musangano ndingatoda kutaura mazwi mashanu ndichishandisa pfungwa dzangu kuti ndidzidzise vamwe pane kutaura mazwi zviuru gumi mururimi rusingazivikanwi. Hama dzangu musaite savana vaduku mukufunga kwenyu. Asi pakuita zvakaipa ivai zvenyu savana vaduku, asi pakufunga ivai vanhu vabve zero. Zvakanyorwa mubhuku romutemo zvichinzi; “Nomuvanhu vendimi dzisingazivikanwi uye nemiromo yeve chirudzi, ndichataura kuvanhu ava. Kunyange ipapo havambonditeerera,” ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokudaro ndimi dzisingazivikanwi hachisi chiratidzo chavatendi asi chavasiri vatendi. Kuporofita hakusi kwavasingatendi asi kwavatendi. Dai kuri kuti sangano rose rinoungana vagotaura vose nendimi dzisingazivikanwi; vasina kuzvidzidzira kana vasiri vatendi vakapindamo, havazoti muri kupenga here? Asi kana vose vachiporofita, asingatendi kana asina kudzidzira akapindamo anobva abaiwa mwoyo navose achibvuma mhosva dzake. Zvakavandika zviri mumwoyo make zvinobuda pachena naizvozvo anowira pasi nouso achinamata Mwari achitaura pachena kuti Mwari ari pakati penyu.