Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 14:13-25

I ƲaKorinte 14:13-25 SUB1949

Saka unotaura norumŋe rurimi, ŋgaanyeŋgetere kuti aɗudzire ʋo. Nokuti kana ndicinyeŋgetera norumŋe rurimi, mŋeya waŋgu unonyeŋgetera, asi kufuŋga kwaŋgu kunoshaiwa ɀiɓereko. Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo. Kana ɀisakaɗaro, kana iwe uciʋoŋga nomŋeya, ko uyo ugere pacigaro caʋasina‐kudzidza, ucati Ameni seiko pakuʋoŋga kwako, ɀaasiŋgaziʋi caunotaura iwe? Nokuti iwe unoʋoŋga hako ɀakanaka, asi mumŋe haasimbiswi. Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose; asi pakereke ndinoɗa ɀikuru kutaura mashoko mashanu nokufuŋga kwaŋgu, kuti ndidzidzise ʋamŋe ʋo, pakutaura norumŋe rurimi mashoko aneɀuru ɀinegumi. Hama dzaŋgu, musaʋa ʋana pakuziʋa, asi muʋe ʋacece paɀakaipa, asi pakuziʋa muʋe ʋakuru. pamurairo pakanyorwa, paciti: Ndicataura kuʋanhu aʋa, ndicireʋa naʋanhu ʋedzimŋe ndimi nemimŋe miromo; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋaŋganditereri — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe. Saka ndimi hadzizi ciratidzo kunaʋanotenda, asi kunaʋasiŋgatendi; nokuprofita hakuzi kunaʋasiŋgatendi, asi kunaʋanotenda. Naiɀoɀo, kana kereke yose yaʋuŋgana, ʋose ʋakataura nendimi, ʋasina‐kudzidza kana ʋasina‐kutenda ʋakapinda, haʋati munopeŋga here? Asi kana ʋose ʋakaprofita, mumŋe usiŋgatendi kana usina‐kudzidza akapinda, ucatendiswa naʋose, ucatoŋgwa naʋose; ɀakaʋanzika ɀomŋoyo wake ɀinoratidzwa; naiɀoɀo ucawira pasi neciso cake, acinamata Ishe, nokupupura kuti Mŋari uri pakati penyu ɀirokwaɀo.