Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 11:11-24

Varoma 11:11-24 SCLB

Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje. Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo! Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo. Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi. Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai. Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi. Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya, nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo. Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo.

Verenga chikamu Varoma 11