VaRoma 11:11-24
VaRoma 11:11-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo. Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii! Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu? Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo. Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi, musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai. Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.” Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya. Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa. Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare. Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?
VaRoma 11:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje. Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo! Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo. Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi. Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai. Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi. Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya, nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo. Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo.
VaRoma 11:11-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo? Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri mupostori wavahedheni, ndinokudza basa rangu. Zvimwe ndingamutsa godo kuna venyama yangu, ndiponese vamwe vavo. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu pakufa? Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarowo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo. Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.” Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye; nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo. Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!

VaRoma 11:11-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje. Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo! Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo. Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi. Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai. Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi. Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya, nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo. Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo.
VaRoma 11:11-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoti: Ʋakagumbuswa kuti ʋawe here? Haiȿa! Asi nokuwa kwaʋo ruponeso rwakaȿika kuʋahedeni, kuti ʋamutsirwe goɗo. Ɀino kana kuwa kwaʋo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwaʋo kwakafumisa ʋahedeni, ɀikuru sei kuzara kwaʋo? Ndinotaura kwamuri, imi ʋahedeni. Ɀandiri muapostora waʋahedeni, ndinokudza ɓasa raŋgu. Ɀimŋe ndiŋgamutsa goɗo kunaʋenyama yaŋgu, ndiponese ʋamŋe ʋaʋo. Nokuti kana kurashwa kwaʋo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamucirwa kwaʋo kucagoʋeiko, asi ʋupenyu pakufa? Ɀino kana ciɓereko cokutaŋga ciri citȿene, ɓundu rose rakaɗaro ʋo; kana mudzi uri mutȿene, mataʋi akaɗaro ʋo. Ɀino, kana mamŋe mataʋi akavuniwa, iwe, muorivi wokuɗondo ukaɓatanidzwa pakati pawo, ukaʋa nomugoʋe pamŋe cete nawo pamudzi napamafuta omuorivi; usaɀikudza pamsoro pamataʋi; kana uciɀikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. Ɀino iwe ucati, mataʋi akavuniwa, kuti ini ndiɓatanidzwe. Ndiɀoɀo; ʋakavuniwa nokusatenda kwaʋo, iwe unomira nokutenda kwako. Usaɀikudza, asi utye; nokuti kana Mŋari asina‐kurega mataʋi okutaŋga, haaŋgakuregi newe ʋo. Ɀino tarira ʋunyoro nokukasharara kwaMŋari; kukasharara kunaʋakawa, asi kwauri ʋunyoro bgaMŋari, kana ucigara paʋunyoro bgake; kana ɀisakaɗaro, newe ucatemŋa ʋo. Naiʋo ʋo, kana ʋasiŋgagari pakusatenda kwaʋo, ʋacaɓatanidzwa; nokuti Mŋari unogona kuʋaɓatanidza ɀe. Nokuti kana iwe wakatemŋa kumuorivi, uri wokuɗondo pakusikwa kwawo, ukaɓatanidzwa pamuorivi wakanaka, ɀicipesana nokusikwa kwaɀo — ɀikuru sei aʋa ʋariʋomuti iwoyo umene, ʋaŋgaɓatanidzwa pamuorivi waʋo!