Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri mupostori wavahedheni, ndinokudza basa rangu. Zvimwe ndingamutsa godo kuna venyama yangu, ndiponese vamwe vavo. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu pakufa? Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarowo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo.
Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe.
Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.” Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye; nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo. Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!