Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake, zvichaitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake kumuranda wake Johani uyo akapupurira izwi raMwari, akapupurawo uchapupu hwaJesu uye zvose zvaakaona. Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo. Ndini Johani ndinokunyorerai imi masangano manomwe okuAsia ndichiti: Dai chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare changova nemi chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, uyewo chichibva kumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choumambo, uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka, dangwe ravafi, mutongi wamadzimambo apanyika. Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu neropa rake akaita kuti tive umambo, uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake, iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini. Ameni. Hezvo achauya ari mumakore. Ziso rose richamuona nomunhu wose akamubaya uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru. Ngazvive saizvozvo. Ameni.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 1:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo