Zvakazarurwa 1:1-7
Zvakazarurwa 1:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani; wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona. Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo. Johani kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe; nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake, akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni.
Zvakazarurwa 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani, iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu. Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo. Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe, nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake, uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni. Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.
Zvakazarurwa 1:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani; wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona. Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo. Johani kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe; nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake, akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni.
Zvakazarurwa 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake, zvichaitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake kumuranda wake Johani uyo akapupurira izwi raMwari, akapupurawo uchapupu hwaJesu uye zvose zvaakaona. Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo. Ndini Johani ndinokunyorerai imi masangano manomwe okuAsia ndichiti: Dai chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare changova nemi chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo, uyewo chichibva kumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choumambo, uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka, dangwe ravafi, mutongi wamadzimambo apanyika. Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu neropa rake akaita kuti tive umambo, uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake, iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini. Ameni. Hezvo achauya ari mumakore. Ziso rose richamuona nomunhu wose akamubaya uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru. Ngazvive saizvozvo. Ameni.
Zvakazarurwa 1:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀakazarurwa ɀaJesu Kristu, ɀaakapiwa naMŋari, kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu iɀo ɀinofanira kukurumidza kuitwa; akaɀituma nomutumŋa wake, ndokuziʋisa muranda wake Johane; wakapupurira shoko raMŋari, neɀokupupura kwaJesu Kristu, acireʋa ɀose ɀaakaʋona. Wakaropafadzwa uyo unoraʋa, naʋanonzwa mashoko okuprofita, ʋaciceŋgeta ɀakanyorwa imomo, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo. Johane kukereke nomŋe dziri paAsia: Nyasha ngadziʋe nemi, norugare, ɀinobva kunaiye uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po; nokunemŋeya minomŋe iri pamberi pecigaro cake coʋushe; nokunaJesu Kristu, capupu cakatendeka, ɗaŋgwe kuʋakafa, muɓati wamadzishe enyika. Kunaiye unotiɗa, akatisunuŋgura paɀiʋi ɀeɗu neropa rake, akatiita ʋushe, naʋaprista kunaMŋari naƂaɓa ʋake, kwaari ŋgakuʋe kubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Tarirai, unoʋuya namakore, meso ose acamuʋona, naiʋo ʋakamuɓaya; marudzi ose enyika acamucema. Hoŋo, Ameni.
Zvakazarurwa 1:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)