Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 1:1-7

Ɀakazarurwa 1:1-7 SUB1949

Ɀakazarurwa ɀaJesu Kristu, ɀaakapiwa naMŋari, kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu iɀo ɀinofanira kukurumidza kuitwa; akaɀituma nomutumŋa wake, ndokuziʋisa muranda wake Johane; wakapupurira shoko raMŋari, neɀokupupura kwaJesu Kristu, acireʋa ɀose ɀaakaʋona. Wakaropafadzwa uyo unoraʋa, naʋanonzwa mashoko okuprofita, ʋaciceŋgeta ɀakanyorwa imomo, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo. Johane kukereke nomŋe dziri paAsia: Nyasha ngadziʋe nemi, norugare, ɀinobva kunaiye uri’po, wakaŋga ari’po, noucazoʋa’po; nokunemŋeya minomŋe iri pamberi pecigaro cake coʋushe; nokunaJesu Kristu, capupu cakatendeka, ɗaŋgwe kuʋakafa, muɓati wamadzishe enyika. Kunaiye unotiɗa, akatisunuŋgura paɀiʋi ɀeɗu neropa rake, akatiita ʋushe, naʋaprista kunaMŋari naƂaɓa ʋake, kwaari ŋgakuʋe kubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Tarirai, unoʋuya namakore, meso ose acamuʋona, naiʋo ʋakamuɓaya; marudzi ose enyika acamucema. Hoŋo, Ameni.