Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani; wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakaona. Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo. Johani kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kuna iye aripo, wakanga aripo, noachazovapo; nokune mweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe; nokuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye anotida, akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake, akatiita ushe, navapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. Tarirai, anouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongu, Ameni.
Verenga chikamu Zvakazarurwa 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakazarurwa 1:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo