Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura. Regai ndikuonei zvangu munzvimbo yenyu inoera, ndione simba renyu nembiri nokuti mwoyochena wenyu uri nani kupinda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Saka ndichakurumbidzai upenyu hwangu hwose. Ndichasimudza maoko angu ndichidaidza zita renyu. Mweya wangu uchadyiririra sokunge ndiri kudya mwongo namafuta muromo wangu uchakurumbidzai norufaro pandinokurangarirai ndiri pauvato hwangu ndichikufungai zvikuru panguva dzousiku dzokunamata nokuti ndimi manga muri muyamuri wangu. Pasi pamapapiro enyu ndinoimba norufaro. Ndinoti nemi name name, ruoko rwenyu rworudyi runondisimbisa. Asi vanoda kundiuraya vachadzika pasi pasi penyika. Vachauraiwa nehondo yebakatwa vachava nyama yamakava. Asi mambo achafara naMwari, vose vanopika naMwari vacharumbidza Mwari miromo yavarevi venhema ichazarirwa.
Verenga chikamu Nziyo 63
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 63:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo