Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura. Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu. Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai. Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu. Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo; Kana ndichikurangarirai panhoo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku. Nokuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo. Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira. Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika. Vachaiswa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava. Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; Nokuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.
Verenga chikamu Mapisarema 63
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 63:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo