Mapisarema 63
63
Dhavhidhi unoshuva Jehovha
Pisarema raDhavhidhi, panguva yokugara kwake parenje raJudha.
1Mwari, imi muri Mwari wangu;
ndichakutsvakai mangwanani;
Mweya wangu unenyota kwamuri,
nyama yangu inokushuvai,
Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
2Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene,
Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
3Nokuti unyoro hwenyu hunokunda upenyu;
Miromo yangu ichakurumbidzai.
4Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu;
Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.
5Mweya wangu uchaguta nezvinenge mwongo namafuta;
Muromo wangu uchakurumbidzai
nemiromo inofara kwazvo;
6Kana ndichikurangarirai panhoo yangu,
Ndichikufungai panguva dzousiku.
7Nokuti makanga muri mubatsiri wangu,
Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.
8Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose;
Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.
9Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu,
Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.
10Vachaiswa pasimba romunondo;
Vachava mugove wamakava.
11Asi mambo achafara munaMwari;
Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo;
Nokuti muromo wavanoreva
nhema uchadzivirwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 63: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002