Nziyo 63
63
Rumbo rwaDhavhidhi rwaakaita ari murenje rokwaJudha.
Kusuwira Mwari
1Mwari ndimi Mwari wangu
ndinokutsvakai
ini ndinokufirai nenyota.
Nyama yangu inokutakwairirai
senyika yakaoma yerenje isina mvura.
2Regai ndikuonei zvangu
munzvimbo yenyu inoera,
ndione simba renyu nembiri
3nokuti mwoyochena wenyu
uri nani kupinda upenyu,
miromo yangu ichakurumbidzai.
4Saka ndichakurumbidzai
upenyu hwangu hwose.
Ndichasimudza maoko angu
ndichidaidza zita renyu.
5Mweya wangu uchadyiririra
sokunge ndiri kudya mwongo namafuta
muromo wangu uchakurumbidzai norufaro
6pandinokurangarirai ndiri pauvato hwangu
ndichikufungai zvikuru
panguva dzousiku dzokunamata
7nokuti ndimi manga muri
muyamuri wangu.
Pasi pamapapiro enyu
ndinoimba norufaro.
8Ndinoti nemi name name,
ruoko rwenyu rworudyi runondisimbisa.
9Asi vanoda kundiuraya
vachadzika pasi pasi penyika.
10Vachauraiwa nehondo yebakatwa
vachava nyama yamakava.
11Asi mambo achafara naMwari,
vose vanopika naMwari vacharumbidza Mwari
miromo yavarevi venhema ichazarirwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 63: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.