Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 39:1-13

Nziyo 39:1-13 SCLB

Ndakati regai ndingwarire zvandinoita kuti ndirege kutadza norurimi rwangu. Ndichabata muromo wangu kana vakaipa varipo chete. Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri ndakanyarara zvangu asi zvakanga zvisina chazvinobatsira. Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya. Ndakatsva mwoyo mukati mangu pandairangarira ndakatsva neshungu. Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu. TENZI ndiziviseiwo magumo angu uye kuwanda kwamazuva angu itaiwo kuti ndizive kusatana kupera kwamazuva angu. Tarisai muone kuti makaita kuti mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba, nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri. Chokwadi munhu wose akangoita sefemo zvaro. Dzepfunde Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri, chokwadi vanotambudzika nhando; munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora. Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI? Ndinovimba nemi. Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu. Musandirege ndichishorwa namapenzi. Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo nokuti ndimi makazviita. Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri. Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu. Kana mava kuranga munhu neshamhu muchimutsiura zvitadzo zvake, munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira; chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro. Dzepfunde. Inzwaiwo munamato wangu TENZI munzwe chichemo changu. Musanyararire misodzi yangu nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu. Musandidzvokore kuti ndifarewo ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina.

Verenga chikamu Nziyo 39