Mapisarema 39:1-13
Mapisarema 39:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.” Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa. Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati: “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu. Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi. Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora. “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri. Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi. Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu. Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose. Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”
Mapisarema 39:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndakati regai ndingwarire zvandinoita kuti ndirege kutadza norurimi rwangu. Ndichabata muromo wangu kana vakaipa varipo chete. Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri ndakanyarara zvangu asi zvakanga zvisina chazvinobatsira. Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya. Ndakatsva mwoyo mukati mangu pandairangarira ndakatsva neshungu. Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu. TENZI ndiziviseiwo magumo angu uye kuwanda kwamazuva angu itaiwo kuti ndizive kusatana kupera kwamazuva angu. Tarisai muone kuti makaita kuti mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba, nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri. Chokwadi munhu wose akangoita sefemo zvaro. Dzepfunde Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri, chokwadi vanotambudzika nhando; munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora. Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI? Ndinovimba nemi. Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu. Musandirege ndichishorwa namapenzi. Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo nokuti ndimi makazviita. Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri. Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu. Kana mava kuranga munhu neshamhu muchimutsiura zvitadzo zvake, munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira; chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro. Dzepfunde. Inzwaiwo munamato wangu TENZI munzwe chichemo changu. Musanyararire misodzi yangu nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu. Musandidzvokore kuti ndifarewo ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina.
Mapisarema 39:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakati, “Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.” Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa. Mwoyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati, “Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.” Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi. Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita hope pasina; Anounganidza pfuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya. Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri. Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi. Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu. Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechiunduzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake. Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose. Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.
Mapisarema 39:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakati regai ndingwarire zvandinoita kuti ndirege kutadza norurimi rwangu. Ndichabata muromo wangu kana vakaipa varipo chete. Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri ndakanyarara zvangu asi zvakanga zvisina chazvinobatsira. Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya. Ndakatsva mwoyo mukati mangu pandairangarira ndakatsva neshungu. Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu. TENZI ndiziviseiwo magumo angu uye kuwanda kwamazuva angu itaiwo kuti ndizive kusatana kupera kwamazuva angu. Tarisai muone kuti makaita kuti mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba, nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri. Chokwadi munhu wose akangoita sefemo zvaro. Dzepfunde Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri, chokwadi vanotambudzika nhando; munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora. Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI? Ndinovimba nemi. Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu. Musandirege ndichishorwa namapenzi. Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo nokuti ndimi makazviita. Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri. Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu. Kana mava kuranga munhu neshamhu muchimutsiura zvitadzo zvake, munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira; chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro. Dzepfunde. Inzwaiwo munamato wangu TENZI munzwe chichemo changu. Musanyararire misodzi yangu nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu. Musandidzvokore kuti ndifarewo ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina.
Mapisarema 39:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakati: Ndicacenjerera nzira dzaŋgu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwaŋgu; Ndicaceŋgeta muromo waŋgu netomu, Kana wakaipa ari pamberi paŋgu. Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe ndisiŋgatauri, Ndakanyarara haŋgu, ndiri kure neɀakanaka. Kucema kwaŋgu kukamutswa. Mŋoyo waŋgu wakaŋga ucipisa mukati maŋgu; Ndakati ndicifuŋga, mŋoto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwaŋgu, ndikati: Jehova, ndiziʋisei mugumo waŋgu, Ʋuye mŋero wamazuʋa aŋgu, kuti akaɗini; Ndiziʋisei kuti ndinoŋgopfuʋura haŋgu. Tarirai, makaita mazuʋa aŋgu soʋupamhi bgecanza; Ʋuye ŋguʋa yokurarama kwaŋgu secinhu cisi’po pamberi penyu; Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe kunyaŋge akasimba kwaɀo, mŋeya ɓedzi. Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe unofamba‐famba somumvuri; Ɀirokwaɀo, ʋanoita ɓope pasina; Unoʋuŋganidza fuma, asi haaziʋi kuti ndiani ucaidya. Ɀino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yaŋgu iri kwamuri. Ndirwirei pakuɗarika kwaŋgu kwose; Regai kundiita munhu unosekwa namapenzi. Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe, handinakushamisa muromo waŋgu; Nokuti ndi’mi makaɀiita. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurobga noruʋoko rwenyu. Kana muciraira munhu mucimuraŋga pamsoro peɀakaipa, Munopedza kunaka kwake seciʋundudzi; Ɀirokwaɀo munhu mumŋe nomumŋe mŋeya hake. Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova, rerekerai nzeʋe yenyu munzwe kucema kwaŋgu; Musanyarara muciʋona misodzi yaŋgu; Nokuti ndiri mŋeni kwamuri, Mutorwa, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa aŋgu ose. Regai kunditarira, kuti ndimbonaya haŋgu, Ndisati ndabva pano, ndikasazoʋa’po.