Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 39:1-13

Mapisarema 39:1-13 SUB1949

Ndakati: Ndicacenjerera nzira dzaŋgu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwaŋgu; Ndicaceŋgeta muromo waŋgu netomu, Kana wakaipa ari pamberi paŋgu. Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe ndisiŋgatauri, Ndakanyarara haŋgu, ndiri kure neɀakanaka. Kucema kwaŋgu kukamutswa. Mŋoyo waŋgu wakaŋga ucipisa mukati maŋgu; Ndakati ndicifuŋga, mŋoto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwaŋgu, ndikati: Jehova, ndiziʋisei mugumo waŋgu, Ʋuye mŋero wamazuʋa aŋgu, kuti akaɗini; Ndiziʋisei kuti ndinoŋgopfuʋura haŋgu. Tarirai, makaita mazuʋa aŋgu soʋupamhi bgecanza; Ʋuye ŋguʋa yokurarama kwaŋgu secinhu cisi’po pamberi penyu; Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe kunyaŋge akasimba kwaɀo, mŋeya ɓedzi. Ɀirokwaɀo, munhu mumŋe nomumŋe unofamba‐famba somumvuri; Ɀirokwaɀo, ʋanoita ɓope pasina; Unoʋuŋganidza fuma, asi haaziʋi kuti ndiani ucaidya. Ɀino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yaŋgu iri kwamuri. Ndirwirei pakuɗarika kwaŋgu kwose; Regai kundiita munhu unosekwa namapenzi. Ndakaŋga ndiri mbeʋeʋe, handinakushamisa muromo waŋgu; Nokuti ndi’mi makaɀiita. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurobga noruʋoko rwenyu. Kana muciraira munhu mucimuraŋga pamsoro peɀakaipa, Munopedza kunaka kwake seciʋundudzi; Ɀirokwaɀo munhu mumŋe nomumŋe mŋeya hake. Inzwai munyeŋgetero waŋgu, Jehova, rerekerai nzeʋe yenyu munzwe kucema kwaŋgu; Musanyarara muciʋona misodzi yaŋgu; Nokuti ndiri mŋeni kwamuri, Mutorwa, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa aŋgu ose. Regai kunditarira, kuti ndimbonaya haŋgu, Ndisati ndabva pano, ndikasazoʋa’po.