Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 39:1-13

Mapisarema 39:1-13 SNA2002

Ndakati, “Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.” Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa. Mwoyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati, “Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.” Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi hwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi. Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita hope pasina; Anounganidza pfuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya. Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri. Ndirwirei pakudarika kwangu kwose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi. Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu. Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechiunduzi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake. Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose. Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.