Ngaarumbidzwe TENZI dombo rangu, anodzidzisa maoko angu hondo uye minwe yangu kurwisa. Ndiye dombo rangu nenzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo, ndiye nhare yangu nomununuri wangu. Ndiyewo nhoo yangu nediziro rangu iye anoisa vanhu pasi pangu. Nhai TENZI iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira iye munhuwo zvake wamunofunga. Munhu akaita sefemo, mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. Kotamisai matenga enyu muburuke TENZI, batai makomo apfumbuke utsi. Penyesai mheni muvamwararise; tumai miseve yenyu muvadzipure. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro ikoko mundinunure, mundiponese mumvura zhinji, mumaoko avatorwa vane miromo inoreva nhema vane ruoko rworudyi ruoko rwerudyi rwokutsidza narwo nhema. Ndichakuimbirai rwiyo rutsva, Mwari ndichikuridzirai dimbwa rine gumi retambo. Imi munoita kuti madzimambo akurire imi makanunura Dhavhidhi muranda wenyu. Ndinunurei kubakatwa rehondo youtsinye; mundinunure mumaoko avatorwa, vanhu vanotaura manyepo vano ruoko rwavo rworudyi, ruoko rworudyi rwokutsidza narwo nhema. Tinokumbirawo kuti vana vedu vakomana, kubvira pauduku hwavo vaite sezvinomera zvakasvika, vana vedu vasikana vave sembiru dzapamakona dzakavezerwa kuvaka muzinda. Matura edu ngaazare apote achiwanisa vanhu zvinhu zvose. Hwai dzedu dzibereke gumi nefararira mumafaro muve namazana akazanirana. Mombe dzedu ngadzive navana vakawanda, pasina isingabereki kana inosvodza. Parege kuva nokuungudza mumigwagwa yedu. Rwakakomborerwa rudzi rwakadaro, rwakakomborerwa rudzi runa TENZI samwari warwo.
Verenga chikamu Nziyo 144
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 144:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo