Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu,
Anodzidzisa maoko angu kurwa,
Neminwe yangu kufura;
Unyoro hwangu, nenhare yangu,
Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu;
Nhoo yangu, uye iye wandinovimba naye;
Anoisa vanhu vangu pasi pangu.
Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye?
Kana Mwanakomana womunhu,
zvamunomurangarira?
Munhu akafanana nomweya;
Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.
Kotamisa kudenga-denga kwenyu
Jehovha, muburuke;
Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.
Penyesai mheni, muvaparadze;
Furai miseve yenyu, muvavhunduse.
Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro;
Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji,
Naparuoko rwavatorwa;
Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo,
Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko
rworudyi rwenhema.
Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva;
Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza
nomutengeranwa une ungiso dzine gumi.
Ndimi munopa madzimambo kuponeswa,
Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu
pamunondo unokuvadza.
Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa,
Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo,
Uye ruoko rwavo rworudyi
ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
Vanakomana vedu vachava semiti
yakakura kwazvo pautsva hwayo;
Uye vanasikana vedu samabwe ekona
akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;
Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose;
Namakwai edu achabereka zviuru negumi
rezviuru kumafuro edu.
Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji;
Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa,
Hakungavi nemhere inoridzwa panzira
dzomumusha medu;
Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo;
Vanomufaro vanhu avo,
Mwari wavo ari Jehovha.