Mapisarema 144:1-15
Mapisarema 144:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe, iye anodzidzisa maoko angu kurwa. Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu, shongwe yangu nomudzikinuri wangu, nenhoo yangu uye ndinovanda maari, iye anoisa marudzi pasi pangu. Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye? Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga? Munhu akafanana nomweya wokufema; mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke; batai makomo, kuti apfungaire utsi. Tumirai mheni mugoparadzira vavengi; pfurai miseve yenyu mugovapedza. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro; ndirwirei uye mundinunure kubva pamvura zhinji ine simba, kubva mumaoko avatorwa vane miromo izere nenhema, maoko avo orudyi anonyengera. Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva; ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi, iye anopa kukunda kumadzimambo, anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya. Ndirwirei uye mundinunure kubva pamaoko avatorwa, vane miromo izere nenhema, vane maoko orudyi anonyengera. Ipapo vanakomana vedu pauduku hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka, uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa kuti dzishongedze muzinda wamambo. Matura edu achazadzwa nemhando dzose dzezviyo. Makwai edu achawanda nezviuru, nezviuru gumi mumafuro edu; nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazova nokuputswa kwamasvingo, hapachazova nokuenda kuutapwa, hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha. Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.
Mapisarema 144:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Neminwe yangu kufura; Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; Nhoo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu. Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira? Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura. Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi. Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse. Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa; Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema. Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une ungiso dzine gumi. Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza. Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema. Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo; Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu. Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu; Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.
Mapisarema 144:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe TENZI dombo rangu, anodzidzisa maoko angu hondo uye minwe yangu kurwisa. Ndiye dombo rangu nenzvimbo yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo, ndiye nhare yangu nomununuri wangu. Ndiyewo nhoo yangu nediziro rangu iye anoisa vanhu pasi pangu. Nhai TENZI iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira iye munhuwo zvake wamunofunga. Munhu akaita sefemo, mazuva ake akaita somumvuri unopfuura. Kotamisai matenga enyu muburuke TENZI, batai makomo apfumbuke utsi. Penyesai mheni muvamwararise; tumai miseve yenyu muvadzipure. Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro ikoko mundinunure, mundiponese mumvura zhinji, mumaoko avatorwa vane miromo inoreva nhema vane ruoko rworudyi ruoko rwerudyi rwokutsidza narwo nhema. Ndichakuimbirai rwiyo rutsva, Mwari ndichikuridzirai dimbwa rine gumi retambo. Imi munoita kuti madzimambo akurire imi makanunura Dhavhidhi muranda wenyu. Ndinunurei kubakatwa rehondo youtsinye; mundinunure mumaoko avatorwa, vanhu vanotaura manyepo vano ruoko rwavo rworudyi, ruoko rworudyi rwokutsidza narwo nhema. Tinokumbirawo kuti vana vedu vakomana, kubvira pauduku hwavo vaite sezvinomera zvakasvika, vana vedu vasikana vave sembiru dzapamakona dzakavezerwa kuvaka muzinda. Matura edu ngaazare apote achiwanisa vanhu zvinhu zvose. Hwai dzedu dzibereke gumi nefararira mumafaro muve namazana akazanirana. Mombe dzedu ngadzive navana vakawanda, pasina isingabereki kana inosvodza. Parege kuva nokuungudza mumigwagwa yedu. Rwakakomborerwa rudzi rwakadaro, rwakakomborerwa rudzi runa TENZI samwari warwo.
Mapisarema 144:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋgaarumbidzwe Jehova, ɗombo raŋgu, Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa, Neminwe yaŋgu kufura; Ʋunyoro bgaŋgu, nenhare yaŋgu, Shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, nomurwiri waŋgu; Nhoʋo yaŋgu, ʋuye iye wandinoʋimba naye; Unoisa ʋanhu ʋaŋgu pasi paŋgu. Jehova, munhu cinyiko, ɀamunehanya naye? Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomuraŋgarira? Munhu wakafanana nomŋeya; Mazuʋa ake aneŋge mumvuri unopfuʋura. Kotamisai kuɗeŋga‐ɗeŋga kwenyu Jehova, muɓuruke; Gunɀai makomo, apfuŋgaire ʋutsi. Penyesai mheni, muʋaparadze; Furai miseʋe yenyu, muʋavunduse. Tambunudzai ruʋoko rwenyu muri kumsoro; Ndisunuŋgurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuʋoko rwaʋatorwa; Aʋo ʋanotaura ɀisinamaturo nomuromo waʋo, Ʋuye ruʋoko rwaʋo rworudyi ndirwo ruʋoko rworudyi rwenhema. Mŋari ndicakuimbirai rwiyo rutȿa; Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomuteŋgeranwa unehuŋgiso dzinegumi. Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Davidi muranda wenyu pamunondo unokuʋadza. Ndisunuŋgurei, mundirwire paruʋoko rwaʋatorwa, Ʋanotaura ɀisinamaturo nomuromo waʋo, Ʋuye ruʋoko rwaʋo rworudyi ndirwo ruʋoko rworudyi rwenhema. Ʋanakomana ʋeɗu ʋacaʋa semiti yakakura kwaɀo paʋutȿa bgayo; Ʋuye ʋanasikana ʋeɗu samabge ekona akaʋezwa seɀinoʋezerwa imba yamambo; Matura eɗu acazara neɀiyo ɀamarudzi ose; Namakwai eɗu acaɓereka ɀuru negumi reɀuru kumafuro eɗu. Nzombe dzeɗu dzicatakudzwa ɀizhinji; Hatiŋgaputsirwi madziro, kana kuɓuɗa kundorwa, Hakuŋgaʋi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha meɗu; Ʋanomufaro ʋanhu aʋo, ʋanoitirwa saiɀoɀo; Ʋanomufaro ʋanhu aʋo, Mŋari waʋo ari Jehova.
Mapisarema 144:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)