Ndinodanidzira kwamuri TENZI kurumidzai kuuya kwandiri. Teererai izwi rangu pandinodanidzira kwamuri. Munamato wangu ngauite serusenzi kwamuri uye kusimudza kwandinoita maoko kuite sechibayiro chamanheru. Batai muromo wangu TENZI; chengetedzai musuwo womuromo wangu. Regai kurerekesa mwoyo wangu kune chinhu chakaipa kuti ndiite zvinhu zvakaipa, pamwechete navanhu vanoita zvakaipa regai kuti ndidye twunonaka twavo. Wakarurama angandirove zvake, kana kunditsiura zvakanaka, asi mafuta avakaipa asatombozora zvao musoro wangu nokuti munamato wangu unogara wakanangana nezvakaipa zvavo. Kana vaiswa mumaoko avanhu vanovabata nemhosva, ndipo pavachadzidza kuti mazwi aTENZI ndeechokwadi. Sokutsemura kunoita munhu dombo achiripwanyira pasi, saizvozvowo mapfupa avo achanzi mwarara pamusuo weguva. Asi maziso angu anotarisa kwamuri Mwari TENZI; ndinopotera kwamuri musandisiye ndiri pamhene. Ndidzivirireiwo kumisungo yavakanditeya nayo uye kumariva avaiti vezvakaipa. Vaipi ngavawire mumambure avo pamwechete ini ndichipunyuka.
Verenga chikamu Nziyo 141
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 141:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo